[Shona] Nzira shanu dzekuchengetedza magetsi nemari yenyu mudzimba
Publisher
Date
Type
Topic
Sezvo tose tinoziva kuti mutengo wemagetsi mudzimba unokwira nguva nenguva, vazhinji vedu tinotsvaga nzira dzekukuderedza kushandiswa kwamagetsi mudzimba. Chinofadza ndichekuti nzira dziripo dziri pachena, dzakapfava, zvisina kugomera kana kuomesa magariro edu. Uyezve tinenge tichichengetedza zviwanikwa nenyika yedu.
- Shandisai Mvura Shoma,Yemugiza
Zvikamu makumi maviri neshanu kubva muzana, zvemari yemagetsi inobhadharwa nemhuri, imari yemagetsi yekudziisa mvura (ingave yadziiswa pachitofu, kana negiza). Nzira dzekuderedza mari uye nekushandiswa kwemvura inodziya ndedzidzi. Wachai nhumbi nekusuka midziyo nemvura yakatonhora. Wachai nhumbi dzakati wandei panguva imwe, mirirai kuti nhumbi dzine tsvina dziwande, kwete mangwana mangwana. Vhurai pombi zvine mwero kwete kuti ibude nesimba ichimhanya ichingoyerera, uye zve tengai mashawa anobuditsa mvura zvine mwero. Musapedza nguva yakareba muri mushawa muchigeza.
- Tengai Midziyo Yemandorokwati
Mari yemagetsi/zesa emudzimba inobva mukushanda kunoita midziyo yemagetsi, mari iyi inoraudzira zvikamu makumi matatu ane nhatu kubva muzana. Kana muchitenga firiji, firiza, tivhii, muchina wekuwacha, muchina wekuomesa mbatya, dishiwasha kana eyakondishini tsvagai chipepa chakanamirwa pamudziyo chinoratidza nyenyedzi - midziyo unechipepa chinoratidza nyenyedzi dzakawanda inokwevawo magetsi mashoma. Midziyo iyoyo ingangodhura zvayo pakutenga, asi ukatenga wakachipa wazviparira nokuti uchabudisa mari svinu mukufamba kwenguva uchibhadhara magetsi.
- Shandisai Midziyo Yemagetsi Zvine Ungwaru
Chengetedzai magetsi nemari yenyu nekudzima midziyo wamunenge musingashandisa. Mudziyo wegawega unenge wakabatidzwa kuti nga uyezve chiringazuva chawo uchishanda—unenge uchitomo chamagetsi. Materevhizheni, maketero, madzimudzangara, mafeni. Musaita hushoroma hwekuita mafiriji nemafiriza akawanda, yedzai kudzima mafirijii asina zvinhu. Yedzai kuyanika hembe panze pazuva pane kushandisa ma dhiraya kana mbaura dzemagetsi. Mukaita izvi muchaona kuti munosevha zvekare zvikamu gumi pazana rerarega remari yemagetsi yamunobhadhara.
- Kudziisa Nekutonhodza Dzimba nguva yechando Nemadziya
Pamunobatidza mbaura ka mafeni emagetsi muchidzikisa kana kukwidza temburicha mumba magetsi anobva akwirawo nezvikamu zvishanu kana gumi kubva muzana. Onai kuti magonhi akavharwa kuti mweya wakatonhodzwa kana kudziiswa uchengeteke. Musakwidza kana kuderedza chiganhuro chemwando zvakanyanya.Nguva yechando isai pa 25°C (makumi maviri neshanu) kana 27°C (makumi maviri nenomwe). Nguva yemadziya isai chiganhuro pa 18°C (gumi nesere) kusvika pa 20°C (makumi maviri).
- Kuvhara maburi nemaberevere emba
Onai kuti imba yenyu yakapedzeredzwa kunyatso vakwa, magoni nemafafitera akanyatsokwenezverwa, maburi nemitswi yakavharwa kuti mwando wakatonhodza kana kudziiswa ushaye pekubuda napo dzimba dzigoramba dzichidziya kana kutonhora kwenguva ndefu. Kushandisa 'masaga' munyasi megonhi. Kuvharidzira mwando dzimwewo nzira 'dzekiyakiya' dzmunogona kuzviitira moga kumba.
Munoda kuziva zvakawanda nekuchengetedza mari yenyu here?
Mazano anobatsira, ari pachena maererano nekuchengetedza magetsi nemvura, maererano nesuweji, uyezve kana muchida ruzivo nezverubatsiro rwunobva kuhurumende endai pa Indaneti webhusayiti www.energy.gov.au inenge iri muririmi.
Documents
Attachment | Size |
---|---|
Mazano ekubatsira vanoroja kuchengetedza magetsi nemvura [Shona] | 192.62 KB |